• Nhetembo: Handisi kusenza

    Mudiwa wangu ndokufunga
    Toseka, ndogona kudenha
    Asi nguva inopfuura ndakagara
    Basa riri kunetsa, handisi kusenza

    Ndongo chema
    Handina mari, ndangove nzenza
    Ndongo nyenga, uchiseka
    Asi ndiri kuchema

    Ndotengei ndisina mari
    Ndisina basa
    Ndichi chengetwa
    Handisi kusenza

    Mudiwa ndokuda
    Asi ndokupei
    Matama awonda
    Handisi kusenza

    Ndarwadza
    Ndachema
    Hupenyu hwe nzenza