The poetry and musings of Munashe (Antony) Charles Gumbonzvanda

handina mota
ende handione.
saka handi zive
zvanda ona.
kuti here
kuti ndaona kadzi dema
richi taridza kupenda noku naka
raka mira.
aka nyemwerera
panda kati handina mari.
Mu hupenyu huno hweva rungu
akatarisa kutya kwangu.
aka nyemwerera
mu hupenyu hweva rume
ende handi zive
kuti sei akadaro

Ndaka kunzwa uchi venga vudzi rako
Senge pane chaka ipa kundi bata kwawakaita naro.
Ndafunga zvokuku udza pazano racho
Nokuti ndowona iwe wese senge uchi.
Nema ziso aripasi ndakakuona uchi pfeka dhugu
Nehasha re rudo ndaka ri bvisa.
Nokuti rakanaka nokuti iwe waka naka.
Kana vanhu vaka venga kuti rino tenderera
Se tsumo, kana ngano
Ngongoti
Sava terere
Ndoda vudzi rako

Ndogara ndichi funga, boring things
Akati, “sasai”
Ndogara ndichifunga, boring things
Akati, “sasai”
Ndofunga horror,
Ndofunga rudo rwedu rwa chorwa.
Ndofunga wandiramba
watorwa
horrific things
akati
“Sasai”